1 Corinthians 14

Zvipo zvoKuprofita noKutaura neNdimi

1Teverai nzira yorudo uye mushuve kwazvo zvipo zvomweya, zvikuru sei chipo chokuprofita. 2Nokuti ani naani anotaura nendimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari. Zvirokwazvo, hapana anomunzwa; anotaura zvakavanzika mumweya wake. 3Asi anoprofita anotaura kuvanhu kuti vasimbiswe, vakurudzirwe uye kuti vanyaradzwe. 4Uyo anotaura nendimi anozvisimbisa iye asi anoprofita anosimbisa kereke. 5Ndinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ataure nendimi, asi zvikuru kuti muprofite. Anoprofita mukuru kuna anotaura nendimi, asi kunze kwokunge achidudzira, kuti kereke igosimbiswa.

6Zvino hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nendimi, ndingakubatsirai seiko, asi kuti kana ndichitaura nokuzarurirwa kana ruzivo kana chiprofita kana shoko rokurayira? 7Kunyange zvinhu zvisina upenyu zvinorirawo wani, zvakaita senyere kana rudimbwa, munhu achaziva seiko kana zvisingasiyani pakurira kwazvo? 8Uyezve kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko angagadzirira kundorwa? 9Zvakadaro nemi. Kana musingatauri mashoko nendimi dzinonyatsozivikanwa, ko, pane anganzwa here zvamunotaura? Nokuti muchangotaura henyu mumhepo. 10Zvirokwazvo panyika pane mitauro mizhinji yakasiyana-siyana, asi hakuna kana mumwe usina zvaunoreva. 11Zvino kana ndisinganzwisisi zvinotaurwa nomunhu, ndiri mutorwa kumutauri, uye naiyewo mutorwa kwandiri. 12Zvakadarowo nemi. Sezvo muchishuva zvipo zvoMweya, edzai zvikuru kushingairira zvipo zvinovaka kereke.

13Nokuda kwechikonzero ichi, ani naani anotaura nendimi anofanira kunyengetera kuti adudzirewo zvaanotaura. 14Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu ndiwo unonyengetera, asi kufunga kwangu hakuna zvibereko. 15Zvino ndichaiteiko? Ndichanyengetera nomweya wangu, ndichanyengeterawo nokufunga kwangu; ndichaimba nomweya wangu, asi ndichaimbawo nokufunga kwangu. 16Kana uchirumbidza Mwari nomweya wako, ko, uyo agere pakati pavasingazivi achati, “Ameni” seiko, pakuvonga kwako, sezvo asinganzwisisi zvauri kutaura? 17Unogona kunge uchivonga zvako zvakanaka, asi mumwe munhu haasimbiswi.

18Ndinovonga Mwari kuti ndinotaura nendimi zhinji kupfuura imi mose. 19Asi mukereke ndingada zvangu kutaura mashoko mashanu nokufunga kwangu kuti ndidzidzise vamwe pano kutaura mashoko zviuru gumi norumwe rurimi.

20Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru. 21MuMurayiro makanyorwa muchinzi:

“Kubudikidza navanhu vedzimwe ndimi
uye kubudikidza nemiromo yavatorwa,
ndichataura kuvanhu ava,
asi kunyange zvakadaro havanganditeereri,”
ndizvo zvinotaura Ishe.
22Naizvozvo, ndimi hadzizi chiratidzo kuvatendi asi kuna vasingatendi; asiwo chiprofita ndechavatendi, kwete vasingatendi. 23Saka kana kereke yose yaungana pamwe chete uye vose vakataura nendimi, uye vamwe vasinganzwisisi kana vasingatendi vakapinda, havangati mava kupenga here? 24Asi kana asingatendi kana mumwe munhu asinganzwisisi akapinda vanhu vose vachiprofita, achabatwa nazvo akaziva kuti iye mutadzi uye kuti achatongwa nazvo, 25uye zvakavanzika zvomweya wake zvinoratidzwa. Naizvozvo achawira pasi nechiso chake agonamata Mwari, uye agopupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo.

Mutoo wakanaka wokunamata nawo

26Zvino tichatiiko, hama? Kana muchiungana, mumwe nomumwe ane rwiyo, kana shoko rokurayira, chaakazarurirwa, ndimi kana kududzira. Zvose izvi ngazviitwe kuti zvisimbise kereke. 27Kana mumwe achitaura nendimi, vaviri, kana vatowanda, vatatu, ngavataure mumwe mushure momumwe, uye mumwe ngaadudzire. 28Kana pasina anodudzira, ari kutaura ngaanyarare mukereke uye ngaazvitaurire pachake uye nokuna Mwari.

29Vaprofita vaviri kana vatatu ngavataure uye vamwe ngavanyatsoongorora zvaataura. 30Uye kana kuzarurirwa kwasvika kuno mumwe munhu agere pasi, mutauri wokutanga ngaanyarare. 31Nokuti mose munogona kuprofita muchitevedzana mumwe mushure momumwe, kuitira kuti vose varayirwe uye vakurudzirwe. 32Mweya yavaprofita inozviisa pasi pavaprofita. 33Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga asi worugare.

Sezvinoitwa mune dzimwe kereke dzose dzavatsvene,
34vakadzi ngavanyarare mukereke. Havatenderwi kutaura asi ngavazviise pasi sezvinoreva murayiro. 35Kana vachida kubvunza chimwe chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti hazvina kufanira kuti mukadzi ataure mukereke.

36Ko, shoko raMwari rakatanga nemi here? Kana kuti rakasvika kwamuri moga here? 37Kana munhu achifunga kuti muprofita kana kuti ane chipo chomweya, ngaatende kuti zvandinokunyorerai murayiro waShe. 38Kana akasatenda izvi, iye pachake ngaasatendwe.

39Naizvozvo, hama dzangu, ivai nechido chokuprofita, uye musadzivisa kutaura nendimi. 40Asi zvinhu zvose ngazviitwe nomutoo wakafanira uye zvichitevedza mutemo.

Copyright information for SnaBDSC